Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 6:20-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.

21. Vakapa guta kuna Jehovha kuti riparadzwe nomunondo, chipi nechipi chairarama mariri, varume navakadzi, vaduku navakuru, mombe, makwai nembongoro.

22. Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vashora nyika, “Pindai mumba mechifeve mumubudise iye navose vokwake, sezvamakapika kwaari.”

23. Naizvozvo majaya akanga ashora akapindamo akabudisa Rahabhi, baba vake namai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake. Vakabudisa mhuri yose vakavaisa kunze kwomusasa weIsraeri.

24. Ipapo vakabva vapisa guta rose nazvose zvaiva mariri, asi vakaisa sirivha negoridhe nemidziyo yendarira neyesimbi munochengeterwa pfuma yemba yaJehovha.

25. Asi Joshua akasiya Rahabhi chifeve, nemhuri yake navose vokwake, nokuti akanga avanza varume vakatumwa naJoshua savashori kuJeriko, uye agere pakati pavaIsraeri nanhasi uno.

26. Panguva iyoyo Joshua akareva mhiko iyi achiti, “Ngaatukwe pamberi paJehovha munhu achazoedza kuvakazve guta iri Jeriko:“Acharasikirwa nomwanakomana wake wedangwe paachaisa nheyo dzaro; acharasikirwa negotwe rake paachamisa masuo aro.”

27. Naizvozvo Jehovha akava naJoshua, mbiri yake ikapararira nenyika yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 6