Panguva iyoyo Joshua akareva mhiko iyi achiti, “Ngaatukwe pamberi paJehovha munhu achazoedza kuvakazve guta iri Jeriko:“Acharasikirwa nomwanakomana wake wedangwe paachaisa nheyo dzaro; acharasikirwa negotwe rake paachamisa masuo aro.”