Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joshua 19:48-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

48. Maguta aya nemisha yawo ndiwo akanga ari nhaka yorudzi rwaDhani, imba neimba.

49. Pavakapedza kugoverana nyika muzvikamu zvakafanira, vaIsraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo,

50. sezvakanga zvarayirwa naJehovha. Vakamupa guta raakanga akumbira, Timunati Sera panyika yamakomo yaEfuremu. Uye akavaka guta iri akagaramo.

51. Idzi ndidzo nyika dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha pamukova weTende Rokusangana, nomuprista Ereazari naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamarudzi avana vaIsraeri. Naizvozvo vakapedza kukamura-kamura nyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Joshua 19