Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joere 2:14-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.

15. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.

16. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, kunyange navachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba nomwenga muimba yake.

17. Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”

18. Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.

19. Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.

20. “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuwa kwadzo kuchakwira; kunhuwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.

21. Usatya iwe nyika; fara zvako upembere nokuti Jehovha aita zvinhu zvikuru.

22. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.

23. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.

24. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva uye namafuta.

25. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta, nemhashu dzegwatakwata, nedzimwe mhashu, uye nefararira remhashu;

26. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

27. Ipapo muchaozoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

Verenga chitsauko zvakakwana Joere 2