Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joere 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Hondo yeMhashu

1. Ridzai hwamanda muZioni; ridzai hwamanda yokuyambira vanhu muri pagomo rangu dzvene. Vanhu vose vagere munyika ngavadedere nokuti zuva raJehovha riri kuuya. Rava pedyo,

2. zuva rerima nokusuwa, zuva ramakore nokusviba. Samambakwedza anoonekwa pamusoro pamakomo, hondo huru ine simba guru iri kuuya; zvakadai hazvina kutombovapo munguva yakare, uye hazvichazoonekwizve munguva ichatevera.

3. Moto unoparadza pamberi padzo, marimi omoto ari kupisa shure kwadzo. Pamberi padzo, nyika yakafanana nebindu reEdheni, shure kwadzo kwangova gwenga risina basa, hapana chinopunyuka.

4. Dzakafanana namabhiza; dzinomhanya samabhiza ehondo.

5. Nomutinhiro sowengoro dzinokwakuka napamusoro pamakomo dzichidya mashanga somoto unopisa uswa hwakaoma, sehondo ine simba yabuda kundorwa.

6. Pakungodziona chete, ndudzi dzose dzinotya; vose vanocheneruka kumeso.

7. Dzinorwisa samauto; dzinokwira madziro savarwi. Dzinofamba dzakateverana dzisingatsauki padzakananga napo.

8. Hadzikwikwidzani pakufamba, imwe neimwe inofamba yakananga mberi. Dzinopwanya nzvimbo dzakadzivirirwa sei, pasina chinodzikanganisa pakurongana kwadzo.

9. Dzinobhururuka dzakananga muguta; dzinomhanya pamusoro porusvingo. Dzinokwira dzichipinda mudzimba; dzinopinda napamawindo sembavha.

10. Pamberi padzo, pasi panozunguzika, denga rinodedera, zuva nomwedzi zvinosviba uye nyeredzi dzinodzima.

11. Jehovha anoomba, ari pamberi pehondo yake; mauto ake haaverengeki, uye vane simba ndivo vanoteerera kurayira kwake. Zuva raJehovha iguru; rinotyisa kwazvo. Ndiani angamira musi waro?

Bvarurai Mwoyo Yenyu

12. Jehovha anoti, “Tendeukirai kwandiri nemwoyo yenyu yose muchitsanya nokuchema nokuungudza.”

13. Bvarurai mwoyo yenyu, kwete nguo dzenyu. Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, iye ane nyasha uye ane tsitsi, anononoka kutsamwa uye ane rudo rukuru; anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.

14. Ndiani anoziva? Anogona kupinduka agonzwa tsitsi, uye agokusiyirai mukomborero wezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa zvinoitirwa Jehovha Mwari wenyu.

15. Ridzai hwamanda muZioni. Sarudzai zuva rokutsanya kutsvene, danai vanhu kuungano tsvene.

16. Unganidzai vanhu, munatse ungano iyi, unganidzai pamwe chete vakuru, unganidzai vana, kunyange navachiri kuyamwa. Vachangowanana, murume ngaabude muimba nomwenga muimba yake.

17. Vaprista vanoshumira pamberi paJehovha ngavacheme vari pakati pebiravira retemberi nearitari. Ngavati, “Musaparadza vanhu venyu, imi Jehovha. Musaita kuti nhaka yenyu ive chinhu chinosekwa, chirevo pakati pendudzi. Vachataurirei pakati pamarudzi vachiti, ‘Mwari wavo aripiko?’ ”

Mhinduro yaJehovha

18. Ipapo Jehovha achava negodo pamusoro penyika yake, uye achanzwira vanhu vake tsitsi.

19. Jehovha achavapindura achiti, “Ndava kukutumirai zviyo, waini itsva namafuta, zvakawanda zvokuti muchaguta kwazvo, handichazokuitai zvakare chiseko chendudzi.

20. “Ndichadzingira kure nemi hondo yokumusoro, ndichaidzingira kunyika yakaoma isina chibereko, dziya dziri mberi dzichawira mugungwa rokumabvazuva, uye dziya dziri shure dzichawira mugungwa rokumadokero. Uye kunhuwa kwadzo kuchakwira; kunhuwa kwadzo kukuru kuchakwira.” Zvirokwazvo akaita zvinhu zvikuru.

21. Usatya iwe nyika; fara zvako upembere nokuti Jehovha aita zvinhu zvikuru.

22. Musatya, imi mhuka dzesango, nokuti mafuro ava kusvibira. Miti yava kubereka michero yayo; mionde nemizambiringa zvichabereka kwazvo.

23. Farai imi vanhu veZioni, farai muna Jehovha Mwari wenyu, nokuti akakupai mvura yokupedzisira mukururama. Anokupai mvura yakawanda, yokupedzisira neyebumharutsva sakare.

24. Mapuriro enyu achazara nezviyo, uye zvisviniro zvenyu zvichazara newaini itsva uye namafuta.

25. “Ndichakuripirai makore ose amakadyirwa nemhashu: mhashu dzemagutaguta, nemhashu dzegwatakwata, nedzimwe mhashu, uye nefararira remhashu;

26. Muchava nezvokudya zvakawanda kusvikira maguta, ipapo mucharumbidza zita raJehovha Mwari wenyu, uyo akakuitirai zvishamiso; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

27. Ipapo muchaozoziva kuti ndirimo muIsraeri, uye kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, uye kuti hakuna mumwe; vanhu vangu havachazonyadziswi zvakare.

Zuva raJehovha

28. “Uye shure kwaizvozvo, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, vatana venyu vacharota hope, majaya enyu achaona zviratidzo.

29. Kunyange pamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadururira Mweya wangu mumazuva iwayo.

30. Ndicharatidza zvishamiso kudenga napanyika, pachava neropa nomoto neshongwe dzoutsi.

31. Zuva richashanduka rigova rima, uye mwedzi uchava ropa, zuva guru raJehovha rinotyisa risati rasvika.

32. Uye ani naani achadana kuzita raJehovha achaponeswa; nokuti paGomo reZioni nomuJerusarema muchava noruponeso sezvakataurwa naJehovha, pakati pavanopunyuka, avo vachadanwa naJehovha.