Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joere 1:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.

5. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.

6. Rudzi rwakapinda kuti ruzorwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.

7. Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.

8. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.

9. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.

10. Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.

11. Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.

12. Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wapera.

Verenga chitsauko zvakakwana Joere 1