Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Joere 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko raJehovha rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri.

Dambudziko reMhashu

2. Inzwai izvi, imi vakuru; teererai imi mose vagere munyika. Ko, zvakadai zvakatomboitika here pamazuva enyu, kana pamazuva amadzitateguru enyu?

3. Zvinhu izvi zviudzei vana venyu, uye vana venyu ngavaudzewo vana vavo, uye vana vavowo vaudze rudzi runotevera.

4. Zvakasiyiwa nefararira remhashu zvakadyiwa nemhashu dzemagutaguta; zvakasiyiwa nemhashu dzemagutaguta zvakadyiwa negwatagwata; zvakasiyiwa negwatagwata zvakadyiwa nedzimwewo mhashu.

5. Mukai imi zvidhakwa, chemai! Ungudzai imi vanwi vewaini; ungudzai nokuda kwewaini itsva, nokuti yabvutwa pamiromo yenyu.

6. Rudzi rwakapinda kuti ruzorwisa nyika yangu, rune simba uye haruverengeki; rune meno eshumba nameno makuru eshumbakadzi.

7. Rwakaparadza mizambiringa yangu yose, rukaparadza mionde yangu yose. Rwakasvuura makwati ose emiti, rukaarasira kure, ndokusiya mapazi awo achena kuti mbe-e.

8. Chemai semhandara yakapfeka masaga inochema murume wouduku hwayo.

9. Zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa hazvichawanikwi muimba yaJehovha. Vaprista vari kuungudza, vaya vanoshumira pamberi paJehovha.

10. Minda yaparadzwa, pasi paoma; zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapera, mafuta hakuchina.

11. Pererwai nezano, imi varimi, ungudzai, imi varimi vemizambiringa, chemerai gorosi nebhari, nokuti mukohwo weminda waparadzwa.

12. Muzambiringa waoma, uye muonde wasvava; mutamba, muchindwi nomuti womuapuro, miti yose yesango, yaoma. Zvirokwazvo, mufaro wavanhu wapera.

Vanhu vanonzi vatendeuke

13. Pfekai masaga mucheme, imi vaprista; ungudzai, imi munoshanda paaritari. Uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi munoshumira pamberi paMwari wangu; nokuti zvipiriso zvezviyo nezvokunwa zvadziviswa muimba yaMwari wenyu.

14. Tsaurai nguva yokutsanya kutsvene; danai vanhu kuungano tsvene. Kokai vakuru navose vanogara munyika kuimba yaJehovha Mwari wedu, mugodana kuna Jehovha.

15. Rinotyisa sei zuva iro! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo; richauya sokuparadza kunobva kuna Wamasimba Ose.

16. Ko, zvokudya hazvina kubviswa here pamberi pedu chaipo, mufaro nokufarisisa kubva mumba maMwari wedu?

17. Mbeu dzinopetana dzisati dzamera pasi pevhu, matura aparara, tsapi dzaputswa nokuti hapachina zviyo.

18. Mombe dzinogomera sei! Matanga emombe odzungaira nokuda kwokushayiwa mafuro. Kunyange mapoka amakwai ari kutambudzika.

19. Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapisa mafuro, uye mirazvo yemoto yapisa miti yose musango.

20. Kunyange mhuka dzesango dzinochema kwamuri; nokuti hova dzesango dzapwa uye moto waparadza mafuro ose.