Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 38:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikija vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati,

2. “Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; iye achararama.’

3. Zvakare, zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ”

4. Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”

5. Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”

6. Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikija, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.

7. Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,

8. Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vakaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavakaita kumuprofita Jeremia.

9. Vakamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”

10. Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo mundobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 38