Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 35:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iri ndiro shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha pamazuva okutonga kwaJehoyakimi, mwanakomana waJosia mambo weJudha, richiti,

2. “Enda kumhuri yavaRekabhi undovakoka kuti vauye mune rimwe kamuri raparutivi rweimba yaJehovha ugovapa waini vanwe.”

3. Saka ndakaenda ndikandotora Jaazania mwanakomana waJeremia, mwanakomana waHabhazinia, nehama dzake uye navakomana vake vose, mhuri yose yavaRekabhi.

4. Ndakavapinza mumba maJehovha, mukamuri ravanakomana vaHanani mwanakomana waIgidharia munhu waMwari. Yakanga iri pedyo nekamuri yamachinda, yakanga iri pamusoro peyaMaaseya mwanakomana waSharumi, mutariri womukova.

5. Ipapo ndakagadzika hari dzizere newaini nemikombe pamberi pavarume vemhuri yavaRekabhi ndikati kwavari, “Inwai waini.”

6. Asi ivo vakapindura vakati, “Hatinwi waini, nokuti tateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akatipa murayiro uyu wokuti, ‘Imi kana vana venyu hamufaniri kunwa waini zvachose.

7. Zvakare, hamufaniri kutombovaka dzimba, kana kudyara mbeu kana kurima minda yemizambiringa; hamufaniri kuva nechimwe chezvinhu izvi, asi munofanira kugara mumatende nguva dzose. Ipapo muchararama mazuva akawanda munyika iyo yamuri vatorwa.’

8. Takateerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi. Hapana akambonwa waini, isu kana vakadzi vedu, kana vanakomana vedu, kana vanasikana vedu,

9. kana kuvaka dzimba dzokugara, kana kuva neminda yemizambiringa, kana minda, kana mbeu.

10. Takagara mumatende uye takanyatsoteerera zvose zvatakarayirwa natateguru wedu Jonadhabhi.

11. Asi Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akati apinda munyika ino, isu takati, ‘Uyai, tiende kuJerusarema titize hondo yavaBhabhironi neyavaAramu.’ Saka takaramba tiri muJerusarema.”

12. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,

13. “Zvanzi naJehovha, Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Enda undoudza varume veJudha navanhu veJerusarema kuti, ‘Hamudzidziwo chidzidzo here mugoteerera mashoko angu?’ ndizvo zvinotaura Jehovha.

14. ‘Jonadhabhi mwanakomana waRekabhi akarayira vanakomana vake kuti varege kunwa waini uye murayiro uyu wanga uchingochengetwa. Kusvikira zuva ranhasi havanwi waini, nokuti vanoteerera murayiro watateguru wavo. Asi ini ndakataura ndataurazve nemi, asi hamuna kunditeerera.

Verenga chitsauko zvakakwana Jeremia 35