Testamende Yekare

Testamende Itsva

Isaya 44:25-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwavane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi,

26. anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake,anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’

27. iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’

28. iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wanguuye achaita zvose zvandinoda;iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,”uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.” ’ ”

Verenga chitsauko zvakakwana Isaya 44