Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hagai 1:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Ko, inguva here yokuti imi pachenyu mugare mudzimba dzenyu dzakashongedzwa namapuranga, asi imba ino ichiramba iri dongo?”

5. Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.

6. Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.”

7. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu.

8. Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

9. “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake.

10. Naizvozvo, nokuda kwenyu matenga aramba nedova uye nyika yaramba nezvibereko zvayo.

11. Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Hagai 1