Testamende Yekare

Testamende Itsva

Hagai 1:11-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Ndakadana kuoma kuti kuuye paminda napamakomo, napazviyo, napawaini itsva, napamafuta, napazvose zvinoberekwa nevhu, napavanhu, napazvipfuwo, uye napamabasa amaoko enyu.”

12. Ipapo Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, navanhu vose vakanga vasara vakateerera inzwi raJehovha Mwari wavo uye shoko romuprofita Hagai, nokuti Jehovha Mwari wavo akanga amutuma. Uye vanhu vakatya Jehovha.

13. Ipapo Hagai, nhume yaJehovha, akasvitsa shoko iri raJehovha kuvanhu achiti, “Ndinemi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

14. Naizvozvo Jehovha akamutsa mweya waZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, uye nomweya waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, uye nomweya wavanhu vose vakanga vasara. Vakauya vakatanga kushanda paimba yaJehovha Wamasimba Ose, Mwari wavo,

15. pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wechitanhatu mugore rechipiri ramambo Dhariasi.

Verenga chitsauko zvakakwana Hagai 1