Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 34:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Saka Shekemu akati kuna Hamori baba vake, “Nditorerei musikana uyu kuti ave mukadzi wangu.”

5. Jakobho paakanzwa kuti mwanasikana wake Dhaina akanga asvibiswa, vanakomana vake vakanga vari kusango nezvipfuwo zvake; saka akanyarara pamusoro pazvo kusvikira vauya kumba.

6. Ipapo Hamori baba vaShekemu vakabuda kundotaura naJakobho.

7. Zvino vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kusango, pavakangonzwa zvakanga zvaitika. Vakanga vane shungu uye vakatsamwa, nokuti Shekemu akanga aita chinhu chinonyadza kwazvo kuna Israeri, chokuvata nomwanasikana waJakobho, chinhu chisingafaniri kuitwa.

8. Asi Hamori akati kwavari, “Mwanakomana wangu Shekemu anodokwairira mwanasikana wenyu. Ndapota mupei henyu iye kuti ave mukadzi wake.

9. Ngatiwaniranei; tipei vanasikana venyu uye imiwo mutore vanasikana vedu.

10. Munogona henyu kugara pakati pedu; nyika iri pamberi penyu. Garaimo, tengesaimo, uye muve nepfuma murimo.”

11. Ipapo Shekemu akati kuna baba vaDhaina nokuhanzvadzi dzake, “Regai ndiwane nyasha pamberi penyu, uye ndichakupai zvose zvamunoda.

12. Revai henyu roora romwenga uye ndichakupai chipo chikuru sezvamunoda, uye zvose zvamuchareva kwandiri ndicharipa hangu. Ndipei bedzi musikana ave mukadzi wangu.”

13. Nokuda kwokuti hanzvadzi yavo Dhaina yakanga yasvibiswa vanakomana vaJakobho vakapindura nokunyengera pakutaura kwavo kuna Shekemu nababa vake Hamori.

14. Vakati kwaari, “Hatingaiti chinhu chakadaro; hatigoni kupa hanzvadzi yedu kumurume asina kudzingiswa. Chingava chinyadzo kwatiri ichocho.

15. Tingangotenderana kana maita chinhu chimwe chete: kuti imi muve sesu nokudzingisa varume vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 34