Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 1:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,akamusika mumufananidzo waMwari;akavasika murume nomukadzi.

28. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”

29. Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 1