Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mavambo

1. Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.

2. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.

3. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.

4. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.

5. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.

6. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”

7. Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.

8. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.

9. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.

10. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

11. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.

12. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

13. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.

14. Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,

15. uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.

16. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.

17. Mwari akazviisa panzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,

18. kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

19. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

20. Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”

21. Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

22. Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”

23. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.

24. Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: mombe, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo.

25. Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, mombe namarudzi adzo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

26. Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika.”

27. Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,akamusika mumufananidzo waMwari;akavasika murume nomukadzi.

28. Mwari akavaropafadza akati kwavari, “Berekanai muwande; zadzai nyika uye mubate ushe pamusoro payo. Muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga napamusoro pezvisikwa zvipenyu zvinokambaira panyika.”

29. Ipapo Mwari akati, “Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.

30. Uye kumhuka dzose dzapanyika neshiri dzose dzedenga nokuzvisikwa zvose zvinokambaira panyika, zvose zvinofema, ndinozvipa miriwo minyoro kuti zvive zvokudya zvazvo.” Uye zvakaita saizvozvo.

31. Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.