Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 1:10-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

11. Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.

12. Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

13. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.

14. Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,

15. uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.

16. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.

17. Mwari akazviisa panzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,

18. kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

19. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

20. Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”

21. Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

22. Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”

23. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 1