Testamende Yekare

Testamende Itsva

Genesisi 1:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.

2. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.

3. Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.

4. Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.

5. Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.

6. Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”

7. Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.

8. Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.

9. Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.

Verenga chitsauko zvakakwana Genesisi 1