Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 7:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. mwanakomana waZerahia, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,

5. mwanakomana waAbhishua, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni muprista mukuru,

6. Ezira uyu akauya kubva kuBhabhironi. Akanga ari mudzidzisi aiziva kwazvo Murayiro waMozisi, wakanga wapiwa naJehovha, Mwari waIsraeri. Mambo akanga amupa zvose zvaakanga akumbira, nokuti ruoko rwaJehovha Mwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.

7. Vamwe vavaIsraeri, vaisanganisira vaprista, vaRevhi, vaimbi, varindi vamasuo navaranda vomutemberi, vakauyawo kuJerusarema mugore rechinomwe rokutonga kwaMambo Atazekisesi.

8. Ezira akasvika muJerusarema mumwedzi wechishanu wegore rechinomwe ramambo.

9. Akanga atanga rwendo rwake kubva kuBhabhironi zuva rokutanga romwedzi wokutanga akasvika muJerusarema pazuva rokutanga romwedzi wechishanu, nokuti ruoko rwenyasha rwaMwari wake rwakanga rwuri pamusoro pake.

10. Nokuti Ezira akanga akazvipira kunzvera nokutevera Murayiro waJehovha, uye nokudzidzisa mitemo nemirayiro yawo muIsraeri.

11. Aya ndiwo mashoko etsamba yaMambo Atazekisesi yaakapa Ezira muprista nomudzidzisi, murume akanga akadzidza pamusoro pezvemirayiro nemitemo yaJehovha kuIsraeri:

12. Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa.

13. Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende.

14. Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako.

15. Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema,

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 7