Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 7:12-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Atazekisesi mambo wamadzimambo, kuna Ezira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga: Kwaziwa.

13. Ini ndinotema chirevo kuti ani naani muIsraeri ari muumambo hwangu, kusanganisira vaprista navaRevhi, avo vanoda zvavo kuenda newe kuJerusarema, ngavaende.

14. Uri kutumwa namambo navapi vake vamazano vanomwe kundobvunzisisa pamusoro peJudha neJerusarema maererano noMurayiro waMwari wako, uri muruoko rwako.

15. Pamusoro pezvo unofanira kutora sirivha negoridhe rakapiwa namambo namakurukota ake nokuda kwavo kuna Mwari waIsraeri, iye agere muJerusarema,

16. pamwe chete nesirivha negoridhe rose raungawana kubva kudunhu reBhabhironi, pamwe chetewo nezvipo zvavanhu zvavachapa nokuda kwavo nezvavaprista, zvetemberi yaMwari wavo muJerusarema.

17. Nemari iyi unofanira kutenga hando, makondohwe, namakwayana makono, pamwe chete nezvipiriso zvavo zvezviyo nezvinonwiwa, uye mugozvibayira paaritari yetemberi yaMwari muJerusarema.

18. Ipapo iwe nehama dzako vaJudha mungaita zvenyu zvose zvamunoona zvakafanira nesirivha negoridhe rose rinenge rasara maererano nokuda kwaMwari wenyu.

19. Ipai midziyo yose kuna Mwari weJerusarema iyo yamakapiwa kuti mushumire nayo mutemberi yaMwari wenyu.

20. Uye zvimwe zvose zvinodiwa patemberi yaMwari wako zvaunofanira kuendesa kutemberi, unofanira kuzvitora kubva papfuma yamambo.

21. Zvino ini, Mambo Atazekisesi, ndinorayira vabati vose vehomwe dzemari mhiri kwaYufuratesi kuti mupe nokushingairira zvose zvingakumbirwa naEzira muprista nomudzidzisi woMurayiro waMwari wokudenga,

22. kusvikira pamatarenda esirivha zanaa, nezviyero zanab zvezviyo namabhati zanac ewaini, namabhati zana amafuta amaorivhi, uye nomunyu wose unodiwa.

23. Chinhu chipi nechipi chakarayirwa naMwari wokudenga, ngachiitwe nokushingaira kutemberi yaMwari wokudenga. Ko, ushe hwamambo nohwavanakomana vake huchatsamwireiko?

24. Ndinokuzivisaiwo kuti hamufaniri kuripisa mitero nemiripo kana zvipo kuvaprista, navaRevhi, navaimbi, navarindi vemikova, navaranda vomutemberi kana vamwe vashandi vapaimba yaMwari.

25. Uye iwe, Ezira, maererano nouchenjeri hwaMwari wako, hwaunahwo, ugadze vaongorori vemhosva, navatongi kuti vatonge nokururamisira vanhu vose vari mhiri kwaYufuratesi, vose vanoziva mirayiro yaMwari wako. Uye unofanira kudzidzisa vose vasingaizivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 7