Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 10:16-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Nokudaro vatapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kutonga nyaya idzi,

17. uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.

18. Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.

19. Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.

20. Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadia.

21. Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.

22. Kubva kuzvizvarwa zvaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishumaeri, Netaneri, Jozabhadhi naErasa.

23. Pakati pavaRevhi: Jozabhadhi, Shimei, Keraya (ndiye ainzi Kerita), Petahia, Judha naEriezeri.

24. Kubva kuvaimbi: Eriashibhi. Kubva kuvarindi vemikova: Sharumi, Teremi naUri.

25. Uye pakati pavamwe vaIsraeri: Kubva kuzvizvarwa zvaParoshi: Ramia, Izia, Marikija, Miyamini, Ereazari, Marikija naBhenaya.

26. Kubva kuzvizvarwa zvaEramu: Matania, Zekaria, Jehieri, Abhidhi, Jeremoti naEria.

27. Kubva kuzvizvarwa zvaZatu: Erioenai, Eriashibhi, Matania, Jeremoti, Zabhadhi naAziza.

28. Kubva kuzvizvarwa zvaBhebhai: Jehohanani, Hanania, Zabhai naAtirai.

29. Kubva kuzvizvarwa zvaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, naJashubhi, naSheari naJeremoti.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 10