Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 46:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzariwa.

2. Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana.

3. Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi.

4. Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondohwe, ose asina kuremara.

5. Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondohwe chinofanira kuita efaa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehinib yamafuta paefa imwe neimwe.

6. Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondohwe, zvose zvisina kuremara.

7. Iye anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.

8. Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.

9. “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.

10. Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 46