Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 41:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Madziro okunze emakamuri okumativi aiva noukobvu hwaisvika makubhiti mashanu. Nzvimbo yakashama yakanga iri pakati pamakamuri okumativi etemberi.

10. Uye makamuri avaprista aisvika makubhiti makumi maviri paupamhi achipoteredza temberi kumativi ose.

11. Kwakanga kune mikova yaipinda kumakamuri okumativi uchibva nokunzvimbo yakashama, mumwe nechokumusoro, mumwe nechenyasi; uye hwaro hwaibatanidza nzvimbo yakasara hwaisvika makubhiti mashanu paupamhi kumativi ose.

12. Imba yakatarisana noruvazhe rwetemberi nechokumavirira yaisvika makubhiti makumi manomwe paupamhi. Madziro eimba akanga ana makubhiti mashanu paukobvu kumativi ose, uye urefu hwawo hwaisvika makubhiti makumi mapfumbamwe.

13. Ipapo akayera temberi; yakanga ina makubhiti zana pakureba, uye ruvazhe rwetemberi neimba namadziro ayo yaivawo namakubhiti zana pakureba.

14. Upamhi hworuvazhe rwetemberi nechokumabvazuva, zvichibatana nemberi kwetemberi, hwaisvika makubhiti zana.

15. Ipapo akayera urefu hweimba yakatarisana noruvazhe necheshure kwetemberi, kusanganisa nedzimba dzokuratidzira dzacho kurutivi rumwe norumwe; zvakaita makubhiti zana. Nzvimbo tsvene yokunze, nenzvimbo tsvene yomukati uye biravira rakatarisana noruvazhe,

16. pamwe chetewo napazvikumbaridzo uye napamawindo maduku napadzimba dzokuratidzira zvose zviri zvitatu, zvinhu zvose zvaiva seri nechikumbaridzowo, zvakanga zvakafukidzwa namapuranga. Uriri, madziro kusvika pamawindo, namawindo zvakanga zvakafukidzwa.

17. Panzvimbo yakanga iri pamusoro nechokunze kwomukova wokupinda munzvimbo tsvene napamadziro, nechiyero chakafanana pakati pazvo zvakapoteredza nzvimbo tsvene yomukati neyokunze,

18. paiva namakerubhi akavezwa nemiti yemichindwe. Pakati pamakerubhi paiva nemiti yemichindwe. Kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri:

19. chiso chomunhu chakatarisana nomuti womuchindwe kuno rumwe rutivi uye kuno rumwe rutivi chiso cheshumba chakananganavo nomuti womuchindwe uri kuno rumwe rutivi. Zvakanga zvakavezwa pamativi ose etemberi.

20. Kubva pauriri kusvikira kunzvimbo yaiva pamusoro pomukova, makerubhi nemiti yemichindwe zvakanga zvakavezwa pamadziro enzvimbo tsvene yokunze.

21. Nzvimbo tsvene yokunze yakanga ine magwatidziro omukova ana mativi mana akaenzana, uye duku racho ndiro rakanga riri mberi kweNzvimbo Tsvene-tsvene.

22. Pakanga pane aritari yakavezwa namatanda yaisvika makubhiti matatu pakukwirira kwayo uye yakaenzana urefu noupamhi makubhiti maviri; makona ayo, pasi payo namativi ayo, akanga ari matanda. Munhu uya akati kwandiri, “Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.”

23. Nzvimbo tsvene yokunze neNzvimbo Tsvenetsvene dzakanga dzina makonhi maviri maviri dzose.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 41