Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 40:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu uye akandiendesako.

2. Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yaIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta.

3. Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake.

4. Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako uye unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”

5. Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose, yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatua, rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanzab. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.

6. Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvarwo ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

7. Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

8. Ipapo akayera biravira resuo;

9. rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.

10. Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana.

11. Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu.

12. Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pana madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana.

13. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 40