Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 34:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. “ ‘Naizvozvo, imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha:

8. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuda kwokuti makwai angu ashayiwa mufudzi, nokudaro akapambwa akava zvokudya zvemhuka dzose dzesango, uye nemhaka yokuti vafudzi vangu havana kuatsvaka asi kuti vakazvifudza vamene pachinzvimbo chamakwai angu,

9. naizvozvo imi vafudzi, inzwai shoko raJehovha:

10. Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka navafudzi uye vachazvidavirira pamusoro pamakwai angu. Ndichavabvisa pakufudza makwai angu kuitira kuti vafudzi varege kuzozvifudza pachavo. Ndicharwira makwai angu pamiromo yavo, uye haachazovi chokudya chavo.

11. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu nokuatarira.

12. Somufudzi anotarira makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichatarira makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima.

13. Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika.

14. Ndichaafudzira mumafuro akanaka, uye pamusoro pamakomo aIsraeri ndipo paachafura. Acharara pasi pamafuro akanaka ikoko, uye achafura pabumhudza rakanaka ikoko kumakomo eIsraeri.

15. Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

16. Ndichatsvaka akarasika nokudzosa akadzingwa. Ndichasunga akakuvara nokusimbisa asina simba, asi akakora naane simba ndichaaparadza.

17. “ ‘Asi kana murimi, boka rangu, zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatonga pakati pegwai nerimwe gwai, uye pakati pamakondohwe nembudzi.

18. Ko, hazvina kuringana kwamuri here kuti mudye pamafuro akanaka? Zvakafanira here kuti mutsike netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? Ko, hazvina kuringana here kuti munwe mvura yakachena? Ko, zvakafanira here kuti musvibise mvura yakasara namakumbo enyu?

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 34