Ndichaabudisa kubva kundudzi ndigoaunganidza kubva kunyika dzose, uye ndigoauyisa munyika yawo. Ndichaafudzira pamakomo aIsraeri, muhova, nomunzvimbo dzokugara dzose dzenyika.