Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 32:5-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.

6. Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.

7. Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.

8. Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9. Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva.

10. Ndichaita kuti vanhu vazhinji vashamisike pamusoro pako, uye madzimambo avo achadedera nokutya nokuda kwako, pandichavheyesa munondo wangu pamberi pavo. Pazuva rokuwa kwako mumwe nomumwe wavo achadedera nguva dzose, nokuda kwoupenyu hwake.

11. “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Munondo wamambo weBhabhironi uchauya kuzokurwisa.

12. Ndichaita kuti vanhu vako vazhinji vave neminondo yavane simba, vanhu vakaipisisa pandudzi dzose. Vachaparadza kuzvikudza kweIjipiti, uye vanhu vayo vazhinji vachakundwa.

13. Ndichaparadza mombe dzayo dzose dziri panhivi dzemvura zhinji, hakuchazovi norutsoka rwomunhu ruchaibvongodza, kana namahwanda emombe achaibvongodza.

14. Ipapo ndichaita kuti mvura yavo igadzikane, uye ndichaita kuti hova dzayo dziyerere samafuta, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

15. Pandichaita Ijipiti kuti ive dongo uye pandichabvisa zvose zviri mairi, pandichauraya vose vanogaramo, ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’

16. “Aya ndiwo mariro avachaiimbira. Vanasikana vendudzi vachaimba; nokuda kweIjipiti navanhu vayo vose vazhinji vachaimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”

17. Mugore regumi namaviri, pazuva regumi namashanu romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

18. “Mwanakomana womunhu, ungudza nokuda kwavanhu vazhinji veIjipiti uye uvawisire pasi zvose iyo nyika navanasikana vendudzi dzine simba, pamwe chete navaya vanoburukira kugomba.

19. Uti kwavari, ‘Ko, imi munonyanya kudikanwa kupfuura vamwe here? Burukai mundoradzikwa pakati pavasina kudzingiswa.’

20. Vachava pakati pavakaurayiwa nomunondo. Munondo wavhomorwa; ngaakweverwe kunze pamwe chete navanhu vake vazhinji.

21. Vatungamiri vane simba vari mukati meguva, vachati pamusoro peIjipiti navabatsiri vayo, ‘Vaburukira kuno uye vavete pamwe chete navasina kudzingiswa, navaya vakaurayiwa nomunondo.’

22. “Asiria iriko nehondo yayo yose; yakakomberedzwa namakuva avakaurayiwa vayo vose, vose vakaurayiwa nomunondo.’

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 32