Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 3:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ipapo mweya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwangu inzwi rokuunga kukuru richiti, “Kubwinya kwaJehovha ngakurumbidzwe munzvimbo yaanogara!”

13. Uye ndakanzwa mubvumo wamapapiro ezvisikwa zvipenyu aigunzvana uye nomubvumo wamavhiri parutivi rwazvo, achirira zvikuru.

14. Ipapo Mweya wakandisimudza ukandiendesa kure uye ndakaenda ndine shungu ndakatsamwa pamweya wangu, uye ruoko rune simba rwaJehovha rwuri pamusoro pangu.

15. Ndakasvika kuna vakatapwa vaigara kuTera Abhibhi pedyo noRwizi rweKebhari. Zvino ipapo pavaigara, ndakagara pakati pavo kwamazuva manomwe, ndichishayiwa mashoko.

16. Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

17. “Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka chinzwa shoko randinotaura uye uvayambire neyambiro inobva kwandiri.

18. Kana ndikati kumunhu akaipa, ‘Uchafa zvirokwazvo,’ iwe ukasamuyambira kana kutaura uchimunyevera panzira dzake dzakaipa kuti uponese mweya wake, munhu uye akaipa achafa nokuda kwechivi chake, asi ropa rake ndicharibvunza pamusoro pako.

19. Asi kana iwe ukamuyambira asi iye akaramba kutendeuka pazvakaipa zvake kana panzira dzake dzakaipa, iye achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe uchange wazviponesa.

20. “Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake.

21. Asi kana ukanyevera munhu akarurama uyu kuti arege kutadza uye akarega kutadza zvirokwazvo achararama nokuti akanzwa kunyeverwa, iwe uchange wazviponesa.”

22. Ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pangu ipapo, uye akati kwandiri, “Simuka uende kubani uye ndichataura newe ikoko.”

Verenga chitsauko zvakakwana Ezekieri 3