Testamende Yekare

Testamende Itsva

Esteri 4:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Modhekai akamuudza zvose zvakanga zvaitika kwaari, pamwe chete nemari chaiyoiyo yakanga yavimbiswa naHamani kuti achaisa mudura ramambo kuti vaJudha vaparadzwe.

8. Akamupawo gwaro rechirevo chezvokuparadzwa zvachose kwavo, rakanga raparadzirwa muShushani, kuti andoratidza Esteri uye amutsanangurire nezvaro, uye akamuudza kuti amukurudzire kuti aende andomira pamberi pamambo akumbire kuti vanzwirwe ngoni uye agoreverera vanhu vake kwaari.

9. Hataki akadzokerazve akandozivisa Esteri zvakanga zvarehwa naModhekai.

10. Ipapo akamurayira kuti andoti kuna Modhekai,

Verenga chitsauko zvakakwana Esteri 4