Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 8:12-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro.

13. Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda.

14. Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo.

15. Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

16. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.”

17. Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo uye akarova guruva umhutu hwakauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu.

18. Asi n'anga dzakakonewa, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu.

19. N'anga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

20. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro paanenge achienda kumvura ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata.

21. Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire.

22. “ ‘Asi pazuva iroro ndichatsaura nyika yeGosheni uko kunogara vanhu vangu; hakuna bute renhunzi richawanikwa ikoko kuitira kuti ugoziva kuti ini, Jehovha, ndiri munyika muno.

23. Ndichaita mutsauko pakati pavanhu vangu navanhu vako. Chiratidzo ichi chichaitika mangwana.’ ”

24. Uye Jehovha akaita izvozvo. Mabute enhunzi akapinda mumuzinda maFaro uye nomudzimba dzamachinda ake, uye muIjipiti yose, nyika yakaparadzwa namabute enhunzi.

25. Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni kati, “Endai mundobayira kuna Mwari wenyu munyika muno.”

26. Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here?

27. Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.”

28. Faro akati, “Ndichakutenderai kuenda kunobayira zvipiriso kuna Jehovha Mwari wenyu murenje, asi hamufaniri kuenda kure kure. Zvino chindinyengetererai.”

29. Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.”

30. Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 8