Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuakasia echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.