Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 35:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.

24. Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuakasia echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.

25. Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 35