Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 35:23-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.

24. Vaya vaipa chipiriso chesirivha kana ndarira vakauya nazvo sechipiriso kuna Jehovha, uye vose vaiva namatanda omuakasia echikamu chipi zvacho chebasa vakauya nawo.

25. Mukadzi wose aigona kuruka akaruka namaoko ake uye akauyisa zvaakanga aruka, wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka.

26. Uye vakadzi vose vaida zvavo uye vaiva nounyanzvi hwokuruka, vakaruka mvere dzembudzi.

27. Vatungamiriri vakauya namabwe eonikisi namamwewo mabwe kuti azoiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.

28. Vakauyawo nezvinonhuwira namafuta omuorivhi emwenje uye namafuta okuzodza namafuta anonhuwira kwazvo.

29. VaIsraeri vose, varume navakadzi vakanga vachida havo, vakavigira Jehovha zvipiriso zvokungopa zvebasa rose rakanga rarayirwa Mozisi naJehovha kuti vaite.

30. Ipapo Mozisi akati kuvaIsraeri, “Tarirai, Jehovha asarudza Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha,

31. uye amuzadza noMweya waMwari, nenjere, nokugona uye noruzivo rwemhando dzose dzoumhizha,

32. kuti aite zvinhu zvinoyevedza zvebasa regoridhe, sirivha nendarira,

33. kuveza nokuronga mabwe, kushanda mukuveza matanda uye nokuita mhando dzose dzoumhizha.

34. Uye apa vose vari vaviri iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaOhani kugona kudzidzisa vamwe.

35. Avazadza nenjere dzokuita mhando dzose dzebasa semhizha, vasoni, navasuki vewuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka, vose zvavo imhizha huru navasoni.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 35