Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 34:26-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu.“Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.”

27. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.”

28. Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.

29. Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, iye akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha.

30. Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye.

31. Asi Mozisi akavadana; saka Aroni navatungamiriri vose vomumusha vakadzokera kwaari, uye iye akataura navo.

32. Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye, uye iye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai.

33. Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake.

34. Asi pose paaipinda paUripo hwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda uye achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa,

35. ivo vaiona kuti chiso chake chakanga chichibwinya. Ipapo Mozisi aizoisazve chifukidzo pachiso chake kusvikira apinda kundotaura naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 34