Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 34:22-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. “Mupemberere Mutambo weMavhiki nezvibereko zvokutanga zvegorosi yakohwewa, uye Mutambo woKuunganidza pakupera kwegore.

23. Katatu pagore, varume vose vanofanira kumira pamberi paIshe Jehovha, Mwari waIsraeri.

24. Ndichadzinga ndudzi pamberi penyu uye ndichakurisa nyika yenyu, uye hakuna munhu achachiva nyika yenyu pamunokwirako katatu gore rimwe nerimwe, kuti mumire pamberi paJehovha Mwari wenyu.

25. “Musapa kwandiri ropa rezvibayiro pamwe chete nechinhu chipi zvacho chine mbiriso, uye musarega chimwe chezvibayiro zvoMutambo wePasika zvichisara kusvikira mangwanani.

26. “Muuyise zvakaisvonaka zvezvibereko zvevhu renyu kuimba yaJehovha Mwari wenyu.“Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.”

27. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora mashoko aya, nokuti maererano namashoko aya ndaita sungano newe uye neIsraeri.”

28. Mozisi akanga ariko kuna Jehovha kwamazuva makumi mana nousiku makumi mana, asingadyi chingwa kana kunwa mvura. Uye akanyora pamahwendefa mashoko esungano, iyo Mirayiro Gumi.

29. Mozisi akati aburuka muGomo reSinai aine mahwendefa maviri eChipupuriro mumaoko ake, iye akanga asingazivi kuti chiso chake chaibwinya nokuti akanga ataura naJehovha.

30. Aroni navaIsraeri vose pavakaona Mozisi, chiso chake chakanga chichibwinya, uye vakatya kuswedera pedyo naye.

31. Asi Mozisi akavadana; saka Aroni navatungamiriri vose vomumusha vakadzokera kwaari, uye iye akataura navo.

32. Shure kwaizvozvo vaIsraeri vose vakaswedera pedyo naye, uye iye akavapa mirayiro yose yaakanga apiwa naJehovha muGomo reSinai.

33. Mozisi akati apedza kutaura navo, akaisa chifukidzo pachiso chake.

34. Asi pose paaipinda paUripo hwaJehovha kuti ataure naye, aibvisa chifukidzo kusvikira abuda kunze. Uye aiti paaibuda uye achiudza vaIsraeri zvaainge arayirwa,

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 34