Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 30:8-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Anofanira kupisazve zvinonhuwira paanenge achitungidza mwenje madekwana saka zvinonhuwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kumarudzi anotevera.

9. Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.

10. Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”

11. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

12. “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.

13. Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeric, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.

14. Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana avo vapfuura, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.

15. Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.

16. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”

17. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

18. “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.

19. Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa.

20. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,

21. vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kumarudzi anotevera.”

22. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

23. “Tora zvinonhuwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekerid emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,

24. mashekeri omuakasia mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehinie yamafuta omuorivhi.

25. Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira. Achava mafuta matsvene okuzodza.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 30