Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 30:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Uite mapango aya nomuti womuakasia uye uafukidze negoridhe.

6. Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.

7. “Aroni anofanira kupisa zvinonhuwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje.

8. Anofanira kupisazve zvinonhuwira paanenge achitungidza mwenje madekwana saka zvinonhuwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kumarudzi anotevera.

9. Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.

10. Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”

11. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

12. “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.

13. Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeric, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.

14. Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana avo vapfuura, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.

15. Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.

16. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”

17. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

18. “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 30