Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 22:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. “Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo.

7. “Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri.

8. Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu.

9. Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri.

10. “Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona,

11. nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa.

12. Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo.

13. Kana chakabvarurwabvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa.

14. “Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye icho chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, iye anofanira kuripa.

Verenga chitsauko zvakakwana Ekisodho 22