Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 9:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo.

2. Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?”

3. Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Iye achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga nokuvaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 9