Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Iye achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga nokuvaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.