Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 6:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka.

8. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.

9. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

10. Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,

11. dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta,

12. muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.

13. Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake.

14. Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai;

15. nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.

16. Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.

17. Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.

18. Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,

19. agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

20. Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?”

21. Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.

22. Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo uye zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 6