Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Ida Jehovha Mwari wako

1. Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu,

2. kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.

3. Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuiitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.

4. Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete.

5. Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.

6. Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.

7. Uzvisimbisise kuvana vako. Taura pamusoro payo kana ugere mumba mako uye kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi uye kana uchimuka.

8. Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.

9. Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.

10. Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,

11. dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta,

12. muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.

13. Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake.

14. Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai;

15. nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.

16. Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.

17. Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.

18. Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,

19. agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

20. Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?”

21. Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.

22. Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo uye zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.

23. Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu.

24. Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi.

25. Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”