Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 6:14-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Musatevera vamwe vamwari, vamwari vamarudzi akakupoteredzai;

15. nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.

16. Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.

17. Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.

18. Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai uye mugopinda nokutora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,

19. agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.

20. Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu inorevei?”

21. Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.

22. Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo uye zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.

23. Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu.

24. Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi.

25. Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 6