Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei.

2. Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.”

3. Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu.

4. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.

5. Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo.

6. Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana.

7. Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu.

8. Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 3