Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kukundwa kwaOgi mambo weBashani

1. Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei.

2. Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.”

3. Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu.

4. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.

5. Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo.

6. Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana.

7. Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu.

8. Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni.

9. (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri).

10. Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani.

11. (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwea uye makubhiti manab paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.)

Kugoverwa kweNyika

12. Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo.

13. Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kurudzi rwehafu rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu.

14. Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.)

15. Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.

16. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni.

17. Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga.

18. Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa.

19. Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai,

20. kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”

Mozisi anorambidzwa kuyambuka Jorodhani

21. Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda.

22. Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.”

23. Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati,

24. “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita?

25. Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.”

26. Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri.

27. Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu.

28. Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.”

29. Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.