Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 27:16-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni.”

17. “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

18. “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

19. “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

20. “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

21. “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

22. “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

23. “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

24. “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

25. “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

26. “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.” Ipapo vanhu vose vachati, “Ameni!”

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 27