Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhuteronomi 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti.

2. Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.”

3. Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuakasia uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu.

4. Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, nezuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri.

5. Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo uye ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhuteronomi 10