Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 6:19-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba.

20. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?”

21. Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!

22. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivirira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.”

23. Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.

24. Mambo akarayira kuti varume vakanga vapomera Dhanieri varwiswe, uye kuti vakandwe mugomba reshumba, pamwe chete navakadzi vavo navana vavo. Uye vasati vasvika pasi pegomba, shumba dzakavakurira dzikapwanya mapfupa avo ose.

25. Ipapo Mambo Dhariasi akanyorera vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose panyika yose achiti, “Mubudirire zvikuru kwazvo!

26. “Ndinotema chirevo chokuti munzvimbo dzose dzoushe hwangu vanhu vanofanira kutya nokuremekedza Mwari waDhanieri. “Nokuti ndiye Mwari mupenyu uye anogara nokusingaperi; umambo hwake hahungaparadzwi, ushe hwake hahutongogumi.

27. Anorwira uye anoponesa; anoita zviratidzo nezvishamiso mudenga napamusoro penyika. Akarwira Dhanieri pasimba reshumba.”

28. Saka Dhanieri akabudirira pamazuva okutonga kwaDhariasi nokutonga kwaSirasi muPezhia.

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 6