Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 5:2-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa naBaba vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye varongo vake vanwiremo.

3. Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakamwira mairi.

4. Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe nesirivha, nevendarira, simbi namatanda namabwe.

5. Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora.

6. Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.

7. Mambo akadana vaya vamazango, navanoziva zvenyeredzi navafemberi kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo nokunditaurira zvarwunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”

8. Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva.

9. Saka Mambo Nebhukadhinezari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika.

10. Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko. Iye akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu!

11. Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wen'anga, navamazango, navazivi vezvenyeredzi navafemberi.

12. Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa kuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo nokunzwisisa, uye nokugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirambwe nokupedza matambudziko. Daidzai Dhanieri, iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”

13. Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 5