Testamende Yekare

Testamende Itsva

Dhanieri 4:11-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Muti wakakura ukasimba uye manhengenya awo aisvika kudenga; wakanga uchioneka kusvika kumigumo yenyika.

12. Mashizha awo akanga akanaka, uye michero yawo yakawanda chose, uye pamusoro pawo pakanga pane zvokudya zvazvose. Mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, uye shiri dzedenga dzaimhara pamatavi awo; zvipenyu zvose zvaidya pauri.

13. “Ndakaona muzviratidzo, ndakavata pamubhedha wangu, ndikatarisa, ipapo pamberi pangu pakanga pano mutumwa, iye mutsvene, achiburuka kubva kudenga.

14. Iye akadanidzira nenzwi guru achiti, ‘Temai muti uyu mugokwanhura matavi awo; pururai mashizha awo mugoparadzira michero yawo. Mhuka ngadzitize pasi pawo, neshiri ngadzibve pamatavi awo.

15. Asi hunde nemidzi yawo, yacho zvakasungwa nesimbi nendarira, ngazvisare muvhu, muuswa hwesango. “ ‘Iye ngaanyoroveswe nedova rokudenga, uye ngaagare nemhuka pakati pemiti yenyika.

16. Pfungwa dzake ngadzishandurwe kubva pane dzomunhu uye ngaapiwe pfungwa dzemhuka, kusvikira nguva nomwe dzamuperera.

17. “ ‘Kutonga uku kwaziviswa navatumwa, vatsvene ndivo vareva zvakatongwa, kuitira kuti vapenyu vagoziva kuti Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye anohupa kuna ani naani waanoda anogadza pamusoro pavo munhu wapasipasi.’

18. “Ndiko kurota kwandakaita, ini Mambo Nebhukadhinezari. Zvino chindiudza, zvazvinoreva, iwe, Bheriteshazari, nokuti hakuna varume vakachenjera muushe hwangu vangagona kundidudzira. Asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mauri.”

19. Ipapo Dhanieri (ndiyewo Bheriteshazari) akakatyamara zvikuru kwechinguva uye pfungwa dzake dzakamuvhundutsa. Saka mambo akati kwaari, “Bheriteshazari, kurota uku kana zvakunoreva ngakurege kukuvhundutsa.” Bheriteshazari akapindura achiti, “Ishe wangu, dai chete kurota uku kwareva vavengi venyu nedudziro yacho vadzivisi venyu!

20. Muti wamakaona, wakakura uye ukasimba, una manhengenya awo anosvika kudenga, unoonekwa pasi pose,

Verenga chitsauko zvakakwana Dhanieri 4