Testamende Yekare

Testamende Itsva

Amosi 8:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “ndichaita kuti zuva rivire masikati makuru uye ndichauyisa rima panyika masikati machena.

10. Ndichashandura mitambo yenyu yechinamato ive kuchema, nokuimba kwose kuti kuve mhere. Ndichaita kuti mose mupfeke masaga uye mugoveura misoro yenyu. Ndichaita kuti nguva iyi ive samariro omwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye magumo acho ave sezuva rakaipa kwazvo.

11. “Mazuva ari kuuya,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “andichatumira nzara panyika yose, kwete nzara yezvokudya kana nyota yemvura, asi nzara yokunzwa mashoko aJehovha.

12. Vanhu vachadzedzereka vachibva kugungwa vachienda kune rimwe gungwa, uye vachadzungaira vachibva kumusoro vachienda kumabvazuva, vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.

13. “Pazuva iro, mhandara dzakaisvonaka namajaya akasimba vachaziya nenyota.

14. Avo vanopika nokunyadzisa kweSamaria, kana vanoti, ‘Namwari wako mupenyu, iwe Dhani,’ kana kuti, ‘Namwari waBheerishebha mupenyu,’ vachawa, vakasazomukazve.”

Verenga chitsauko zvakakwana Amosi 8